1 Makoronike 2:25-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Vanakomana vaJerameeri dangwe raHezironi vaiva: Rami dangwe rake, Bhuna, Oreni, Ozemi naAhija.

26. Jerameeri akanga ane mumwe mukadzi, zita rake ainzi Atara. Akanga ari amai vaOnami.

27. Vanakomana vaRami dangwe raJerameeri vaiva: Maazi, Jamini naEkeri.

28. Vanakomana vaOnami vaiva: Shamai naJadha. Vanakomana vaShamai vaiva: Nadhabhi naAbhishuri.

29. Mukadzi waAbhishuri ainzi Abhihairi akamuberekera Abhani naMoridhi.

30. Vanakomana vaNadhabhi vaiva: Seredhi naApaimi. Seredhi akafa asina vana.

31. Mwanakomana waApaimi ainzi Ishi uyo aiva baba vaSheshani. Sheshani aiva baba vaArai.

1 Makoronike 2