1 Makoronike 18:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Dhavhidhi akapamba chiuru chengoro dzake, vachairi vengoro zviuru zvinomwe navarwi vetsoka zviuru makumi maviri. Akadimbura marunda amakumbo amabhiza ose kusara kwezana ramabhiza engoro.

5. VaAramu veDhamasiko pavakauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya zviuru makumi maviri nezviviri zvavo.

6. Akaisa mapoka avarwi vake muumambo hwavaAramu veDhamasiko, uye vaAramu vakava pasi pake uye vakamuvigira mutero. Jehovha akapa Dhavhidhi kukunda kwose kwose kwaakaenda.

7. Dhavhidhi akatora nhoo dzegoridhe dzaiva dzakatakurwa navatungamiri vehondo yaHadhadhezeri akaenda nadzo kuJerusarema.

8. Kubva kuTebha nokuKuni, maguta aHadhadhezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji, yakazoshandiswa naSoromoni kugadzira gungwa rendarira, nembiru uye nezvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana zvakazogadzirwa nendarira.

1 Makoronike 18