1 Makoronike 18:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Joabhu mwanakomana waZeruya aitungamirira hondo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo;

16. Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vaprista; Shavhisha akanga ari munyori;

17. Bhenaya mwanakomana waJehoyada aitungamirira vaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva machinda makuru parutivi pamambo.

1 Makoronike 18