1 Makoronike 16:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.

10. Zvirumbidzei muzita rake dzvene;mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare.

11. Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake;tsvakai chiso chake nguva dzose.

12. Rangarirai zvishamiso zvaakaita,zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva.

13. Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake,haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake.

14. Ndiye Jehovha Mwari wedu;mitongo yake iri munyika yose.

1 Makoronike 16