5. Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira
6. uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.
7. Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha:
8. Vongai Jehovha, danai kuzita rake;zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita.
9. Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.
10. Zvirumbidzei muzita rake dzvene;mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare.
11. Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake;tsvakai chiso chake nguva dzose.
12. Rangarirai zvishamiso zvaakaita,zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva.
13. Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake,haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake.
14. Ndiye Jehovha Mwari wedu;mitongo yake iri munyika yose.
15. Anorangarira sungano yake nokusingaperi,shoko raakarayira,kwechiuru chamarudzi.