13. Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake,haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake.
14. Ndiye Jehovha Mwari wedu;mitongo yake iri munyika yose.
15. Anorangarira sungano yake nokusingaperi,shoko raakarayira,kwechiuru chamarudzi.
16. Sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.
17. Akasimbisa kuna Jakobho somutemo,kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti:
18. “Kwauri ndichapa nyika yeKenani,sechikamu chenhaka yako.”
19. Pavakanga vari vashoma,vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi,
20. vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe,kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe.
21. Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire;nokuda kwavo akatuka madzimambo.
22. “Musabata vazodziwa vangu;musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
23. Imbirai Jehovha, pasi pose;paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
24. Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi,mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.
25. Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa;anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
26. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,asi Jehovha akasika matenga.
27. Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake;simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake.
28. Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba,
29. ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake.Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake;namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
30. Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunutswi.
31. Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pamarudzi, “Jehovha anotonga!”
32. Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri;minda ngaifarisise nezvose zviri mairi.
33. Ipapo miti yesango ichaimba,ichaimba nomufaro pamberi paJehovha,nokuti anouya kuzotonga nyika.