1. Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidari navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba youmambo.
2. Uye Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akamusimbisa samambo pamusoro peIsraeri uye kuti umambo hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Israeri.
3. MuJerusarema, Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi akava baba vavanakomana navanasikana vazhinji.
4. Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shamua, Shobhabhi, Natani, Soromoni,
5. Ibhari, Erishua, Eriperati,
6. Noga, Nefegi, Jafia,
7. Erishama, Bheeriyadha naErifereti.
8. VaFiristia pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga agadzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakaenda nehondo yose kundomutsvaga, asi Dhavhidhi akazvinzwa akabuda kundosangana navo.