1 Makoronike 13:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Dhavhidhi akataurirana nomumwe nomumwe wavabati vake vose, vatungamiri vezviuru, navatungamiri vamazana.

2. Akati kuungano yose yeIsraeri, “Kana zvichiita sezvakakunakirai uye kana kuri kuda kwaJehovha Mwari wedu, ngatitumirei shoko kwose kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yeIsraeri, nokuvaprista navaRevhi vavagere navo mumaguta avo nokumafuro avo kuti vauye vazobatana nesu.

3. “Ngatidzorei areka yaMwari wedu kwatiri zvakare, nokuti izvi hatina kuzvibvunza panguva yokutonga kwaSauro.”

4. Ungano yose yakabvuma kuita izvi, nokuti zvairatidzika kunge zvakanaka kuvanhu vose.

5. Saka Dhavhidhi akaunganidza vaIsraeri vose kubva kuRwizi Shihori muIjipiti kusvika kuRebho Hamati, kuti vatore areka yaMwari kubva kuKiriati Jearimi.

6. Dhavhidhi navaIsraeri vose vaiva naye vakaenda kuBhaara reJudha (Kiriati Jearimi) kuti vandotora areka yaMwari Jehovha, agere pakati pamakerubhi, iyo areka inodaidzwa neZita irori.

7. Vakatakura areka yaMwari kubva muimba yaAbhinadhabhi iri mungoro itsva, Uza naAhio vakaitungamirira.

8. Dhavhidhi navaIsraeri vose vakanga vachipembera nesimba ravo rose pamberi paMwari, nenziyo, nembira, nemitengeranwa, netambureni, nemakandira nehwamanda.

9. Pavakasvika paburiro raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake kuti atsigire areka nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa.

10. Kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Uza akamuuraya nokuti akanga atambanudza ruoko rwake akabata areka. Saka akafa pakarepo pamberi paMwari.

1 Makoronike 13