41. Mwanakomana waAna ainzi Dhishoni. Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.
42. Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani. Vanakomana vaDhishani vaiva: Uzi naArani.
43. Aya ndiwo aiva madzimambo aitonga muEdhomu kusati kwava namambo upi zvake aitonga muIsraeri vaiva: Bhera mwanakomana waBheori, guta rake rainzi Dhinihabha.
44. Bhera paakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.
45. Jobhabhu paakafa, Hushami aibva kunyika yevaTemani akamutevera paumambo.