1 Madzimambo 7:40-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. Hiramu akaitawo poto, foshoro namadhishi.Saka Hiramu akapedza basa rose raakaitira Mambo Soromoni mutemberi yaJehovha:

41. mbiru mbiri;misoro miviri yedenderedzwa pamusoro pembiru;mimbure miviri yakarukwa yaishongedza misoro miviri yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru;

42. matamba mazana mana emimbure miviri (mitsara miviri yamatamba pamumbure mumwe chete, kuti ishongedze misoro yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru);

43. tafura gumi namadhishi adzo gumi;

44. Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;

45. poto, foshoro namadhishi.Zvinhu zvose izvi zvakaitirwa Mambo Soromoni mutemberi maJehovha naHiramu zvaiva zvendarira yakabwinyiswa.

46. Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu rokuumba pabani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.

1 Madzimambo 7