1 Madzimambo 7:33-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Mavhiri akanga akagadzirwa sokugadzirwa kwamavhiri engoro dzamabhiza; maekesero, marimu, zvipokisi namahabhu zvose zvaiva zvakagadzirwa nendarira.

34. Tafura imwe neimwe yaiva nemibato mina, pakona imwe neimwe, uye yaibudikira kubva patafura.

35. Pamusoro petafura paiva nechitenderere chakanga chakadzika zvinosvika hafu yekubhitit. Zvitsigiro namagwatidziro zvakanga zvakanamatidzwa pamusoro petafura.

1 Madzimambo 7