uye Soromoni akapa Hiramu zviyero zviuru makumi maviria zvegorosi kuti zvidyiwe mumuzinda wake, pamwe chete nezviyero makumi mavirib zvamafuta omuorivhi akasvinwa zvakakwana. Soromoni akaramba achiitira Hiramu zvinhu izvi gore negore.