1 Madzimambo 1:36-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

36. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akapindura akati, “Ameni! Jehovha, Mwari waishe mambo wangu, ngaadarowo!

37. Jehovha sezvaaiva naishe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, aite kuti chigaro chake choushe chive chikuru kupfuura chigaro choushe chaishe wangu Mambo Dhavhidhi!”

38. Naizvozvo Zadhoki muprista, Natani muprofita, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, vaKereti navaPereti vakadzika, vakatasvisa Soromoni pahesera raMambo Dhavhidhi, vakamutungamirira kuenda kuGihoni.

39. Zadhoki muprista akatora gonamombe ramafuta mutende akazodza Soromoni. Ipapo vakaridza hwamanda vanhu vose vakadanidzira vachiti, “Mambo Soromoni ngaararame makore akawanda!”

40. Zvino vanhu vose vakamutevera vachiridza mabhosvo vachipembera zvikuru zvokuti pasi pakatinhira noruzha rwavo.

1 Madzimambo 1