1 Madzimambo 1:28-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Ipapo Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidanirei Bhatishebha.” Naizvozvo iye akauya kuna mambo akamira pamberi pake.

29. Zvino mambo akapika akati, “Kana Jehovha wangu ari mupenyu, uyo akandinunura pamatambudziko ose,

30. zvirokwazvo, nhasi ndichazadzisa zvandakakupikira naJehovha, Mwari waIsraeri kuti, ‘Mwanakomana wako Soromoni achanditevera paumambo, uye achagara pachigaro changu choushe panzvimbo pangu.’ ”

1 Madzimambo 1